Amos 2

1Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu,
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.
Nokuti akapisa, kuita madota,
mapfupa amambo weEdhomu.
2Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu
uchaparadza nhare dzeKerioti.
Moabhu achawira pasi mubope guru
pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.
3Ndichaparadza mutongi wake
uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
4Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha,
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.
Nokuti vakaramba murayiro waJehovha
uye havana kuchengeta mitemo yake,
nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema,
vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,
5ndichatuma moto pamusoro peJudha,
uchaparadza nhare dzeJerusarema.”

Israeri inotongwa

6Zvanzi naJehovha:

“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri,
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.
Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha,
navanoshayiwa kuti vawane shangu.
7Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo
savanotsika paguruva,
uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa.
Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete,
nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.
8Vanovata pasi parutivi pearitari
imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso.
Mumba yamwari wavo
vanonwa waini yakatorwa somuripo.

9“Ndakaparadza Amori pamberi pavo,
kunyange akanga akareba somusidhari
uye akasimba somuouki.
Ndakaparadza zvibereko zvake
kumusoro nemidzi yake pasi.

10“Ndakakubudisa kubva muIjipiti,
ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje,
kuti ndikupe nyika yavaAmori.
11Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu,
navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu.
Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
12“Asi makaita kuti vaNaziri vanwe waini
uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.

13“Zvino ipapo ndichakupwanyai
sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.
14Vanomhanya kwazvo havangapunyuki,
vakasimba havangazovi nesimba ravo,
uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.
15Anopfura nemiseve haangazoramba amire,
murwi anogona kumhanya haangapunyuki,
uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.
16Kunyange mhare dzakashinga
dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC